Mhemberero dzeBlack History Month dzeGore Rino Dzovhiringidzwa neCovid-19

  • Jonga Kandemiiri

Chizvarwa cheZimbabwe VaJonah Masiya ndemumwe wevanhu vanoridza kumhemberero dzeBlack History Month.

Gore roga-roga vanhu vemuAmerica vanocherechedza mwedzi uno waKukadzi semwedzi wekurangarira nhoroondo yevanhu vatema vari munyika iyi, kana kuti Black History Month.”

Izvi vanozviita kuburikidza nekuungana vachiita mitambo yakasiyanasiyana pamwe nekuridza mimhanzi yenyika dzakasiyanasiyana.

Mumwe wevanhu vaimbopinda mumhemberero idzi mumakore ose adarika uye vari chizvarwa cheZimbabwe, VaJonah Masiya, avo vanoita zvemimhanzi, vanoti nekuda kwedenda reCovid-19, gore rino vari kucherechedza mwedzi uyu neimwe nzira isiri yekuungana sezvagara zvichiitwa makore ose adarika.

VaMasiya, vanove zvakare mudzidzisi, vanoti makore ose adarika vaibatana nevamwe vachiridza mimhanzi yekumusha kucherechedza mwedzi uyu, asi gore rino vachange vachiridza vari kumba kwavo sevamwe vose vachizongoonekwa pamadandemutande.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaJonah Masiya