Gurukota rezveKudyidzana neDzimwe Nyika muAmerica, VaAntony Blinken, Vonanga kuMiddle East

  • Jonga Kandemiiri

Gurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika muAmerica, VaAntony Blinken vari parwendo rwavo kuenda kuIsrael neWest Bank

Gurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika mu America, VaAntony Blinken vakasimuka neMuvhuuro vakananga kuMiddle East zvichitevera kutanga kushanda kwechibvumirano chekumbomisa kurwisana chakaitwa pakati pe Israle neHamas neChishanu chapfuura.

Urwu rwendo rwekutanga rwaVaBlinken kudunhu iri senhumwa ye America yepamusorosoro. VaBlinken vari kutarisirwa kusangana nemakurukota eIsrael, Palestine pamwe nevemudunhu iri apo America iri kuedza kuona kuti runyararo rwabudirira muGaza.

America inoti yakazvipira kushanda nehurumende yePalestine pamwe neUnited Nations mukuona kuti vakawirwa nedambudziko vawana rubatsiro muGaza pamwe nekuvaka zvakare nzvimbo iyi.

Rwendo rwaVaBlinken kuMiddle East rwuchavasvitsawo kuEgypt, iyo yakayananisawo Israel nechikwata cheHamas chemuPalestine.

Chizvarwa cheZimbabwe, vari mutungamiri webato rePatriotic Zimbabweans Party, VaCharles Muchineripi Mutama, vanoti sezvo paine mangange pakati penyika mbiri idzi, VaBlinken vanogona kuita dambudziko rekubuda necheuviri panyaya iyi.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaCharles Muchineripi Mutama