Amai Mutinhiri, VaChidziva, VaJapajapa neVamwe veMDC Vanoti Vari Kutyisidzirwa neVasori

  • Blessing Zulu

VaNelson Chamisa

Amai Tracy Mutinhiri nedzimwe nhengo dzebato rinopikisa dzemdc dzinoti dziri kutyisidzirwa zvikuru nevanofungidzirwa kuti vasori asi vachiti mapurisa haana zvaari kuita kuyedza kusunga vari kupomerwa mhosva yekuita izvi.

Vanoti vanofungidzira kuti vanhu vaivatsvaga pambozhanhare ava vakazouya kupurazi kwavo kuMarondera husiku uko vakaridzirwa pfuti nevanovachengetedza nemusi weChitatu.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurkuro naAmai Tracy Mutinhiri

Nyaya yekutyisidzirwa kwevanopikisa yakatsviriridzawo mukomiti yesenate yemuAmerica nemusi weChina apo America yakati kana vakuru vehurumende vachida kubvisirwa zvirango vanofanira kuona kuti vanopikisa hurumende havasi kutyisidzirwa.

Nhengo dzeMDC dzinosanganisa sachigaro wevechidiki VaHappymore Chidziva, VaPaddington Japajapa vakapa humbowo kukomisheni yaVaKgalema Mothlante iri kuongorora kupfurwa kwakaitwa vanhu nemauto muHarare musi wa 1 Nyamavhuvhu vanoti vari kutyira hupenyu hwavo.

Mutungamiri webato iri VaNelson Chamisa vanogarawo vachinyunyuta kuti vasori ava vanoswera vachivatevera kwose kwavanoenda.

Hatina kukwanisa kubata gurukota rezvevasori VaOwen Ncube kana mutauriri wemapurisa Senior Assistant Commissioner Charity Charamba sezvo nharembozha dzavo dzange dzisiri kudairwa.