Amai Mujuru Voita Misangano kuBulawayo

  • Blessing Zulu

Doctor Joyce Mujuru

Mutungamiri webato rinopikisa reNational People’s Party vari kutungamira mubatanidzwa wePeople’s Rainbow Coalition Amai Joice Mujuru nemusi weSvondo vakaenderera mberi vachiita misangano kuBulawayo.

Nemusi weSvondo vainge vari kuTshabalala uye neMugovera vainge vari kuLuveve. Amai Mujuru vakakurudzira vanhu kuti vavavhotere nekuti bato reZanu-PF rakundikana kugadzirisa matambudziko makukutu akatarisana nenyika munyaya dzezvehupfumi.

Mutevedzeri waAmai Mujuru, VaSamuel Sipepa Nkomo vakaudza Studio 7 kuti vakatambirwa zvakanaka pamisangano yavo muBulawayo.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Samuel Sipepa Nkomo