Amai Mugabe Voendesa Standard kuMatare

  • Blessing Zulu

Mudzimai wemutungamiri wenyika, Amai Grace Mugabe, vaendesa bepanhau reStandard kumatare edzimhosva vachiti vanoda kuripwa mari inosvika mamiriyoni gumi nemashanu emadhora nekuti bepanhau iri rakasvibisa zita ravo.

Amai Mugabe vanoti nyaya yakanyorwa nebepanhau iri yekuti vainge vaita huori pakutora mangoda ekwaMarange yaiva yemanyepo uye inosvibisa zita ravo mumaziso evanhu vakawanda vanoverenga bepanhau re Standard.

Bepanhau reStandard rakaburitsa nyaya iyi zvichitevera zvakaburitswa neWikiLeaks ichiti vaimbove mumiriri weAmerica muZimbabwe, VaJames McGee, vakanyorera hurumende yavo kuti vakaudzwa kuti Amai Mugabe, kusanganisirawo mukuru webhanga guru renyika, VaGideon Gono, vari kuita zvehuori nemangoda ekwaMarange.

Magwaro eWikiLeaks aya akaburitswa mumapepanhau akawanda pasi rose.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi reStandard. Asi gweta raAmai Mugabe, VaGeorge Chikumbirike, vanoti Amai Mugabe ndimai wenyika uye mashoko akaburitswa neStandard anoipisa chimiro chemudzimai wemutungamiri wenyika.