Air Zimbabwe Yomisa Ndege Dzayo Kufamba Munyika

Air Zimbabwe inoti yambomisa ndege dzayo kufamba munyika zvichitevera kuramwa mabasa kuri kuita vashandi vayo.

Izvi zvinoitikawo mushure mekunge ndege yayo ye Boeing 737 inofamba pakati pe Harare – Bulawayo- ne Victoria Falls, yaita dambudziko pakashaikwa nyanzvi dzinoigadzira sezvo vashandi ve Air Zimbabwe vari kuramwa mabasa vachiti vanoda kubhadharwa mari dzavo dzemwedzi mitanhatu yapfuura.

Izvi zvinowedzerawo matambudziko akatarisana ne Air Zimbabwe, iyo yakambobatirwa ndege yayo ku London mwedzi wapera nepamusana pechikwereti chayaitadza kubhadhara kambani yeku America inoitengesera zvinhu zvekuisa pandege kana zviripo zvasakara.

Air Zimbabwe yakamisa zvakare nzendo dzekuenda kuSouth Africa nekuLondon. Kambani iyi ine zvikwereti zvinosvika zana nemakumi mana emamiriyoni emadhora, uye iri kurasikirwa nemamiriyoni maviri emadhora mwedzi wega wega.

Sachigaro webhodhi reAir Zimbabwe, Va Jonathan Kadzura, vanoti hurumende haisi kuvabatsira kuitira kuti ibude mumatope mairi.

Sachigaro vekomiti yeparamende inoona nezvekutakurwa kwezvinhu munyika, Va Blessing Chebundo, vanoti hurumende ndiyo yaita kuti Air Zimbabwe iwire pasi.