Masangano Orwisa Kusemwa kweVanorarama neHIV

HIV AIDS

Masangano anoona nezvevanhu vanorarama nehutachiona hweHIV/AIDS pamwe nemachechi aparura chirongwa kwaSeke chikanangana nekupedza kusemwa kana rusarura kuvanhu vanorarama nehutachiona.

Chirongwa ichi chinonzi Stigma Index Zimbabwe chaparurwa nemasangano ane chitsama anosanganisira Safaids, National AIDS Council, Trocaire, Zimbabwe National Network of People Living with HIV, ZNNP+, Anglican Relief and Develeopment in Zimbabwe nemamwe.

Vachitaura pachiitiko ichi, vanoona nezvechirongwa ichi musangano reZNNP+, VaTonderai Chiduku, vati kusemwa kunoitwa vanhu vanorarama neHIV kunotadzisa vamwe vavo kuenda kuzvipatara nemakiriniki kwavanowana rubatsiro runoita kuti vararame kwenguva refu kana kupinda muzvirongwa zvinofanira kuvabatsira mukurarama kwavo.

Vati ongororo ichaitwa pasi pechirongwa ichi ichaburitsa pachena zvichemo nezvido zveavo vanorarama neHIV pamwewo nezvinodiwa neavo vasina hutachiwana kuti vakwanise kugarisana neavo vane hutachiwana.

VaEverton Mlalazi veImpact Research International, avo vachange vari muchirongwa ichi, vanoti chirongwa ichi chichabatsira vaye vanoronga mitemo nezvirongwa zvevanorarama nehutachiwawana kuitira kuti vave nehumbowo hwezvinhu chaizvo zvinenge zvichidiwa.

Vachitaurawo pagungano raitwa kwaSeke, vanoona nezvechirongwa ichi muNational AIDS Council, VaSilibile Mpofu, vatiwo chirongwa ichi chichaitwa mumatunhu ese munyika uye chinotarisirwa kutora mwedzi mitanhatu.

Vati humbowo huripo hunoratidza kuti zvikamu makumi mana kubva muzana zvevanhukadzi zvinotambira vanhu vanorarama nehutachiwana uye chinangwa chavo ndechekukwidza chikamu ichi kusvika pazvikamu makumi manomwe nezvishanu kubva muzana kusvika muna 2015.

Vati zvikamu makumi matatu nezvipfumbabwe kubva muzana zvevanhurume ndizvo zvinotambira vanhu vanorarama nehutachiwana uye vane chinangwa chekuwedzera zvikamu izvi kusvika pazvikamu makumi matanhatu kubva muzana mugore ra2015.

VaMpofu vati vanhukadzi vagara vane rudo kudarika vanhurume.
Mukuru wesvondo yeAnglican muHarare, Bishop Chad Gandiya, vatiwo dambudziko rekusemwa kwevanhu vanorarama neHIV rinowanikwa mudzichechi ndosaka chechi yavo ichitsigira chirongwa chaparurwa ichi.

Chirongwa ichi chinotsigirwawo nemamwe masangano ekunze akaita seInternational Planned Parenthood Federation, Global Network of People Living with HIV neJoint United Nations Program on HIV/AIDS.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Irwin Chifera