Dr. Peter Magombeyi Vachiri Kuongororwa Hutano Hwavo

Dr. Peter Magombeyi

Vakafanobata chigaro chemutungamiri weZimbabwe Hospital Doctors Association, Dr. Peter Magombeyi, vapedza rimwe zuva vari muchipatara vachiongororwa hutano hwavo.

Sangano ravo rinoti richataura zvizere pamusoro pehutano hwavo kana ongororo dziri kuitwa dzapera.

Mutevedzeri waDr. Mgombeyi musangano reZimbabwe Hospital Doctors Association, Dr. Masimba Ndoro, vaudza Studio7 kuti ongororo iyi iri kuitwa nanachiremba, magweta avo, pamwe nemapurisa.

Dr. Ndoro vati vakaona Dr. Magombeyi vakavaudza zvinotsigira zviri kuburitswa pamadandemutande akaita seTwitwer neWhatsApp zvichinzi vakatochwa vakaitwa kafira mberi.

Asi vati vachakwanisa kutaura zvakawanda kana ongororo iri kuitwa yapera.

Panyaya yekuti Dr. Magombeyi vakachengetedzwa nemapurisa kuchipatara, Dr. Ndoro vati panogona kunge paine chibvumirno chakaitwa nemhuri yavo nechipatara.

Patasvika pachipatara china Dr. Magombeyi, taudzwa kuti havasi kuonekwa nemhunu wese wese asi kuti nemhuri nevamwe vakadomwa.

Tatadza kuvaona nekuti hatisi vevamwe vanhu vari kubvimidzwa kuvaona.

Gweta raDr. Magombeyi, VaJeremiah Bamu, vati vana chiremba vakavaudza kuti hutano hwaDr. Magombeyi hauite kuti vaonekwe nevanhu vakawanda.

Pataenda pamhepo, magweta aDr. Magombeyi ange akatarisirwa kuburitsa gwaro rinotaura mamiriro akaita zvinhu pamusoro pehutano hwavo nezvimwe zviri kuitika panyaya iyi.

Dr. Magombeyi vari kuongororwa nemachiremba akazvimirira pamwe nemachiremba ehurumende.

VaMagombeyi vakapambwa nevanhu vasiri kuzivikanwa kuti ndivanani svondo rapoera nemusi weMugovera munguva dzehusiku, vakazowanikwa nemusi weChina manheru vari kuNyabira uko vanoti vakapepuka vari.

Zvichakadai, mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, mumashoko avo vasati vasimuka kuenda kumusangano weUnited Nations General Assembly, vakati kunyange hazvo hurumende iri kufara nekuti Dr. Magombeyi vakawanikwa, vanoshushikana nenyaya yekupambwa kwevanhu kwakanangana nekusvibisa hurumende yavo.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Godwin Mangudya