Sangano rinomirira vashandi munyika, reZimbabwe Congress of Trade Unions, ZCTU, rinoti hurukuro pakati peMDC neZanu PF, hadzifi dzakabudirira kana vemasangano akazvimirira oga pamwe nevemachechi, vasina kubvumidzwa kupindawo muhurukuro idzi.
Mashoko aya akataurwa nemunyori mukuru weZCTU, VaWellington Chibebe, avo vari kushanya muno muWashington. Vachitaura neChipiri manheru, VaChibebe vakati gakava riripo munyika rinofanirwa kugadziriswa nekukurumidza.
Asi VaChibebe vakati havazi kufara nehurukuro dziri kuitwa pakati peZanu PF neMDC, sezvo dziri kuitirwa muchiwande, mhuri yeZimbabwe isingazivi zviri kuitika.
VaChibebe vatiwo hurukuro idzi dzichabudirira chete kana vemasangano akazvimirira oga pamwe chete nevemachechi vakapiwa mukana wekuti vapindewo muhaurirano idzi.
VaChibebe vanga vari muno muAmerica nechinangwa chekuzogamuchira mubayiro wavo wePhillip Randolf-Norman Hill Award, uyo unoremekedza basa rinoitwa nevanhu mukurwira kodzero dzevanhu pasi rose.
Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...