Chirongwa cheKupodza Maronda Chopinda Muvanhu

Boka rehurumende rezvekupodzwa kwemaronda nekuregererana munyika, reOrgan on National Healing and Reconciliation, riri kushanda pamwe chete nemasangano akazvimirira pamwe nemachechi, mukuumba hwaro hwegwara richashandiswa panotangwa chirongwa ichi.

Hurongwa uhu hwakaparurwa neChipiri kuManicaland, uye neChitatu chikwata ichi, changa chiri muMasvingo.

Makurukota matatu anoshanda ari mumahofisi emutungamiri wenyika, pamwe nemutungamiri wehurumende, anoti Amai Sekai Masikana Holland, veMDC inotungamirirwa naVaMorgan Tsvangirai, VaJohn Landau Nkomo, veZanu PF, pamwe naVaGibson Jama Sibanda, veMDC inotungamirirwa naVaArthur Mutambara, vari kufamba pamwe nechikwata ichi, icho chiri kunzwa pfungwa dzemasangano nemachechi akasiyana siyana.

Vachitaura vari muWashington paHoward University, Amai Holland vakaudza vanhu kuti bazi ravo riri kuda kuti munyika muve nerunyararo, uye rinoda kunzwa zvinofungwa nevanhu pamafambisirwo echirongwa chavo. Amai Holland vakati zvakakosha kuti hurumende inzwe pfungwa dzevanhu isati yatanga kuita chirongwa ichi.

Vanoona nezvekufambiswa kwezvirongwa zveNANGO, VaMachinda Marongwe, vanoti hurongwa uhu huchabuda nehwaro huchashandiswa mukufambiswa kwechirongwa chekuregererana pamwe nekupodza maronda.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...