Dare reparamende yepasi, kana kuti House of Assembly, ratambira neChitatu bhiri rekuvandudza mutemo webhanga guru renyika, we Reserve Bank of Zimbabwe Amendment Bill, kuti uve mutemo.
Kutambirwa kwebhiri iri kunotevera makakatanwa akamboitwa mumazuva mashoma apfuura pakati peZanu PF neMDC, idzo dzakazowirirana kuti dzishandire pamwe chete nechinangwa chekugadzirisa zvinhu kuitira kuti nyika ifambire mberi.
Gurukota rezvemari, VaTendai Biti, ndivo vakapinza bhiri iri muparamende, vachiti mashandiro ebhanga guru renyika, anofanirwa kuvandudzwa kuitira kuti riremekedzwe pasi rose.
Masangano anokweretesa mari anga achichemawo nemashandiro ebhanga iri, achiti gavhuna webhanga iri, VaGideon Gono, vari kushandisa mari dzemasangano akazvimirira nenzira isiri iyo.
Vakatungamira MDC munhaurirano dzeChipiri pamusoro pebhiri iri ndiChief Whip weMDC mudare reparamende, VaInnocent Gonese, nekune rumwe rutivi, Zanu-PF yaimirirwa naVaPaul Mangwana vachibatsirwa naAmai Mabel Chinomona. VeZanu-PF vaichema chema nerekuti bhiri iri rave kupa gurukota rezvemari, VaBiti, masimba akawandisa.
Vamwe vanoti bhiri iri rikabudirira zvinenge zvoreva kuti nyaya yekudomwa kwaVaGono inenge isisina kunyanyokosha pamisariridzwa yeGPA.
VaGonese vaudza Studio7 kuti zvasarira kuSenate musi wa 1 Zvita kuti itambire bhiri iri kuti uve mutemo wenyika.
Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi, uye vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, VaProsper Chitamabara, vanoti zvakakosha kuti pave nemitemo yakakosha inovandudza mashandiro ebhanga guru renyika.