VaMugabe Vanotuka Zvakare veKunze kuRome

Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vashora zvikuru hurumende dzekunze vachiti ndidzo dziri kupa kuti nzara ipfunye chisero munyika. VaMugabe vati vekunze ava havasi kufara nenyaya yekutorwa kweminda, nekudaro vanoda kuti Zimbabwe irambe ichipemha zvekudya.

VaMugabe vange vachitaura kumusangano mukuru weFood Summit muRome, kuItaly neChipiri. Asi European Union pamwe neAmerica dzinoti VaMugabe vanofanirwa kutanga vatevedzera zviri muchibvumirano chakavaka hurumende yemubatanidzwa che Global Political Agreement, kana kuti GPA, vasati vatanga kutaura nyaya yekuti zvirango zvavakatemerwa nevamwe vavo muZanu-PF zvibviswe.

VaCharles Mangongera inyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika. VaMangongera vanoti VaMugabe ndivo vakatotemera Zimbabwe zvirango nekutadza kwavo kutonga nenzira kwayo.

Zvichakadaro, dare remakurukota range richifanirwa kuitwa neChipiri rambomiswa sezvo VaMugabe vange vasipo.

Nyaya iyi haina kufadza veMDC, avo vaudza Studio 7 kuti kana VaMugabe vasipo, VaTsvangirai vanofanira kutungamira musangano uyu semutevedzeri wasachigaro basa rofambira mberi. Asi veZanu-PF vari kuramba izvi.

South Africa, iyo iri kutungamirira nhaurirano pakati peZanu-PF nezvikwata zviviri zveMDC, inoti nhaurirano dziri kuenderera mberi pakati pemapato matatu aya muZimbabwe.

Director General munyaya dzekudzidzana nedzimwe nyika muSouth Africa, VaAyanda Ntsaluba, vakaudza vatori venhau muPretoria kuti hurumende yenyika yavo iri kuzeya kuti yogadzirisa sei nyaya yeZimbabwe.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...