CZI: Makakatanwa Ovhiringa Hupfumi hweNyika

Mutungamiri veConfederation of Zimbabwe Industries, CZI, VaKumbirai Katsande, vanoti kusawirirana muhurumende yemubatanidzwa, kunogona kukonzera kudzikira kwehupfumi hwenyika, uho hwanga hosimukira zvichitevera kuumbwa kwehurumende yemubatanidzwa.

VaKatsande vanoti vanhu vava kutyira kuti nyika yava kudzokera kumashure sezvo makakatanwa pakati pemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, pamwe nemutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, ari kuenderera mberi.

VaKatsande vanotiwo mabhizinesi anga achipa makambani emuZimbabwe zvikwereti, ava kusvibiswa moyo nemakakatanwa aripo pakati pevakuru vaviri ava zvokuti pari zvino makmbani aya haachapi Zimbabwe zvinhu nechikwereti.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...