Nhumwe yeUnited Nations yoRambidzwa Kupinda Munyika

Nyanzvi ye United Nations inoongorora nyaya dzekushungurudzwa kwevanhu, Va Manfred Nowak, vanoti havana kubatwa zvakanaka nehurumende, iyo yakavarambidza kupinda munyika nezuro.

VaNowak, avo vakanga vakokwa negurukota rezvemitemo, Va Patrick Chinamasa, kuti vauye kuzoita ongororo yavo, vakazoudzwa kuti rwendo urwu rwava kumbomiswa vava muJohannesburg vakananga kuzimbabwe.

Zvinonzi vakapihwa tsamba iyi, iyo inonzi yakabva kugurukota rezvekunze.

Asi mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, vanonzi vakanyorawo tsamba vachiti vanoda kusangana nava Nowak, izvo zvakapa kuti VaNowak vaenderere nerwendo rwavo kuZimbabwe.

Pakasvika VaNowak panhandare nezuro manheru, vakabva vaudzwa kuti vakanga vasingabvumidzwe kupinda munyika, kana vasina kupihwa mvumo negurukota rezvekunze.

VaNowak varara panhandare yendege muHarare, ndokubva vakwidzwa mundege yekutanga kuenda ku South Africa.

VaTsvangirai vanonzi vamboedza kuti VaNowak vapinde munyika, asi zvose izvi zvakundikana. VaNowak vashoropodza zvikuru kubatwa kwavaitwa nehurumende yeZimbabwe.

Dzimwe Nhau Kubva KuStudio 7...