Vatungamiri vatatu vemapato ari muhurumende yemubatanidzwa, vanoti mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, pamwe nemutevedzeri wemutungamiri wehurumende, VaArthur Mutambara, vasangana neMuvhuro muHarare kuti vakurukure zviri kunetsa muhurumende yemubatanidzwa. Vanoziva zviri kuitika muhurumende vanoti musangano wevatatu ava hauna zvawabuda nazvo.
Mushure memusangano uyu, VaTsvangirai vabva vapinda mune mumwe musangano nehutungamiri hwebato ravo, kana kuti Standing Committee. Studio7 haina kukwanisa kunzwa kuti chii chabuda mumusangano uyu zvakare.
Kusangana kwaita VaMugabe, VaTsvangirai, pamwe naVaMutambara, ndekwekutanga kubva pakaziviswa naVaTsvangirai kuti bato ravo rakanga rava kumbogura muchato waro neZanu PF.
Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, uye vari mudzidzisi paUniversity of Zimbabwe, Professor John Makumbe, vanoti kumhanyira kuhutungamiri hwebato ravo kwaitwa naVaTsvangirai kunogona kureva kuti pane zvavari kuda kutanga vavazivisa vasati vazivisa vatori venhau.
Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...