MDC Inoti Zanu PF Yatanga Zvakare Mabasa Ayo

Bato reMDC rinoti bato reZANU-PF riri kushandisa mapurisa mukushungurudza nhengo dzaro mumatunhu akasiyana siyana munyika.

Mapurisa anonzi akambochengetedza neSvondo nhengo dzeMDC muBulawayo, Va Reggie Moyo, pamwe naVa Albert Mhlanga, vakazovaregedza pava paya.

Kunetswa kwenhengo dzeMDC kunoitika mushure mekunge mapurisa aenda kune imba yeMDC neChishanu husiku, uko akasiya abvanyangura zvinhu zvive mumba iyi. Mapurisa anoti aitsvaga zvombo zvaanofungidzira kuti zvakavigwa nenhengo dzeMDC.

NeMugovera, bepanhau reMDC re "Changing Times" rakapiswa makopi anosvika zviuru gumi kuBindura nevatsigiri veZanu PF.

Zvinonziwo vakuru vakuru veku ZBC, pamwe nemasangano enhau anoshandiswa neZANU-PF, vakaudzwa kuti vasaburitse nhau dzinosimudzira chimiro cheMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai.

VaNelson Chamisa ndivo mutauriri weMDC. VaChamisa vanoti bato ravo riri kushushikana zvikuru nezviri kuitwa neZanu PF. Vatiwo MDC haisi kuzombofa yakadzokera shure pakurwira kodzero dzeveruzhinji.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi reZanu PF panyaya yairi kupomerwa neMDC.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...