Masangano anobatsira pasi rose anoti ari kushushikana zvikuru nemakakatanwa ari muhurumende yemubatanidzwa, ayo anoti anogona kusvibisa moyo vari kuda kubatsira nyika.
Vanoshanda nemasangano eInternational Red Cross ne United Nations Children's Fund, vanoti kusawirirana pakati pevatungamiriri muhurumende kuri kuisa hupenyu hwevanoshupika pakaoma, kunyanya panguwa ino apo nyika iri kuda rubatsiro rwechikafu nemishonga yekudzvivirira zvirwere zvakaita sekorera, swine flu nemalaria.
VaFambai Ngirande ndivo vanoona nezvekufambiswa kwemashoko muNango. VaNgirande vanoti zvinoshungurudza kuti MDC ne Zanu-PF dziri kukakavadzana panguva ino apo pasi rose riri kutarisira kuti zimbabwe igadzirise zviri kunetsa.
Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...