Varimi vakawanda munyika vanonzi vari kutarisana nedambudziko rekushaya zvinodiwa pakurimisa, sezvo hurumende yakamira kubatsira varimi sezvayaiita makore apfuura.
Varimi vari kunzi vakwerete mari yekutengerwa zvekurimisa kubva kumabhanga. Asi mabhanga aya anonzi ari kuti anoda chibatiso, kana kuti Title Deeds kuitira kuti akwanise kubatsira varimi ava, asi varimi vazhinji havana chibatiso ichi, sezvo ivhu riri rehurumende.
Varimi vakagariswa patsva havanawo ma Title Deeds sezvo vaipiwa matsamba anongoratidza kuti vane mvumo yekugara paminda yavari kurima.
GMB inonziwo ine mbeu nemafotereza, asi varimi
havana mari yekutenga zvinhu izvi.
Zvinonzi GMB yakaita hurongwa hwekuti varimi vachine zvirimwa zvemwaka wakapera, vagone kuchinjisa nezvavanoda pakurima.
VaRenson Gasela inyanzi munyaya dzekurima, uye vari nhengo yeMDC inotungamirwa naVa Arthur Mutambara. VaGasela vanoti dambudziko riri pakuti hurongwa uhu hwakanonokwa, izvo zvichaita kuti varimi vazhinji vatambure.
Zvichakadaro, sangano rinobatsira reChristian Care, rinotiwo riri kushanda pamwe chete nesangano reFood and Agriculture Organisation, FAO, pamwe chete neEuropean Union mukubatsira varimi vemumaruwa nembeu nefotereza.
Mutungamiri weChristian Care, Reverend Forbes Matonga, vanoti sangano ravo rimwe remasangano manomwe ari kushanda nemasangano aya, uye sangano ravo richange richibatsira varimi veminda midiki kuMidlands.
Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...