Yangova Njake Njake muHurumende yeMubatanidzwa

Makurukota emapato maviri eZANU-PF neMDC inotungamirwa naVaArthur Mutambara, neChipiri akapinda mumusangano wedare remakurukota, kana kuti cabinet meeting

Musangano uyu wanga uchitungamirwa nasachigaro wedare remakurukota, uye vari mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe.

Asi makurukota eMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, akaramba kupinda mumusangano wedare remakurukota, zvichitevera chisungo chakabuda neNational Executive yebato iri chekuti havasi kuzogara pasi neZANU-PF vachikurukura zvinhu muhurumende yemubatanidzwa, kudzamara VaMugabe vagadzirisa nyaya dziri kunetsa.

Apo VaMugabe vange vachiita musangano wavo we cabinet kuMunhumutapa Building, makurukota eMDC inotungamirwa naVaTsvangirai aitawo musangano wawo, paMunhumutapa Building muCouncil of Ministers Boardroom.

Musangano uyu unonzi wanga uchitungamirwa nemutevedzeri waVaTsvangirai, Muzvare Thokozane Khupe.

Mushure mezvo, makurukota aya azosanganawo nenhengo dzedare reparamende dzebato iri kuHarvest house. Studio7 haina kukwanisa kuudzwa zvakurukurwa muCabinet Boardroom, pamwe nekuCouncil of Ministers Boardroom.

Asi zvinonzi musangano waitwa ku Harvest House, kunova kumuzinda weMDC, wati chisungo chakaitwa neNational Council yebato iri, chicharamba chichiremekedzwa kudzamara Zanu PF naVa Mugabe vachinja maitiro.

Gurukota muhofisi yaVaMugabe, VaDidymus Mutasa, vanoti kusauya kumusangano kwaitwa nemakurukota eMDC inotungamirwa naVaTsvangirai, hakuna zvakunoreva, sezvo basa richaramba richenderera mberi.

Mutauriri weMDC inotungamirwa naVaArthur Mutambara, VaEdwin Mushoriwa, vanoti vapinda mumusangano uyu nekuti havangaramwire munda kumakudo

Asi mutauriri weMDC inotungamirwa naVaTsvangirai, VaNelson Chamisa, vanoti misangano yaVaMugabe haina chainoburitsa nekuti hurumende yemubatanidzwa ndiyo iri kutonga pari zvino.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...