VaTsvangirai Votarisira SADC Kuti Igadzirise Zviri Kunetsa

Mutungamiri weMDC, uye vari mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, vasimuka munyika neMuvhuro vakananga kuMozambique, kunosangana nasachigaro weSADC Troika, nechinangwa chekuti SADC igadzirise gakava ravapo pakati pebato reMDC neZanu PF, iro rakapa kuti MDC imbocheka ukama hwayo neZanu PF muhurumende yemubatanidzwa.

VaTsvangirai vari kutarisirwa kusangana nemutungamiri weMozambique, VaArmando Guebuza, avo vakabata chigaro cheSADC Troika, mushure mezvo, vozosangana zvakare nasachigaro weSADC, uye vari mutungamiri weDRC, VaJoseph Kabila.

Munyori mukuru weSADC, VaTomaz Salomao, vaudza Studio7 kuti nyaya yeZimbabwe haina kumbobvira yaiswa kuSADC Troika, asi kuti SADC yakati yaizoongorora mafambiro pamwe nebudiriro yehurumende yemubatanidzwa.

VaSalomao vanoti SADC iri kushushikana zvikuru nemamiriro akaita zvinhu muZimbabwe. Svondo rapera, VaTsvangirai vakazivisa kuti bato ravo rakanga rava kugura muchato neZanu PF sezvo yakanga yaratidza kusavimbika.

Mutauriri waVaTsvangairai, VaJames Maridadi, vanoti VaTsvangirai vaenda kuSADC sezvo iri iyo tete wechibvumirano cheGPA.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...