Nyanzvi munyaya dzemitemo dzinoti kutambirwa kwaitwa chikumbiro ichi nedare, zvabva zvareva kuti VaBennett vanofanirwa kukumbira patsva kuti vapihwe mukana wekuBvisa mari yechibatiso. VaBennett vanga vari kunze zvichitevera kubvisa kwavakaita mari yechibatiso zvichitevera kusungwa kwavakaitwa muna Kukadzi. Dare reHigh Court ndiro rakapa mutongo uyu.
Magweta ari kumirira VaBennett anoti aisa mapepa mudare re High Court, achikumbira kuti VaBennett vapihwe mukana wekubvisa mari yechibatiso iyi.
Rimwe remagweta aVaBennett, VaTrust Maanda, vanoti VaBennett vaendeswa kuMutare Remand Prison. VaBennett vari kupomerwa mhosva yekuwanikwa vaine zvombo zvehondo nechinangwa chekubvisa hurumende nechisimba.
Asi VaBennett vari kuramba mhosva yavari kupomerwa. Mutungamiri wenyika, Va Robert Mugabe, vari kuramba kugadza VaBennett semutevedzeri wegurukota rezvekurima, vachiti nyaya yavo inofanirwa kutanga yapedzwa nematare, kuitira kuti vazovagadza pabasa ravakapihwa muhurumende yemubatanidzwa.
Nyanzvi munyaya dzezve matongerwo enyika dzinotiwo zvaitwa nehurumende zvinokanganisa zvikuru mashandiro echibvumirano cheGPA. VaFarai Maguwu ndivo Executive Director veCentre for Research and Development, uye vachiongorora nyaya dzezvematongerwo enyika. VaMaguwu vanoti hurumende yemubatanidzwa yaratidza pachena kuti haisi kushanda zvakanaka sezviri kutarisurwa nepasi rose.
Bato reMDC rashora zvikuru zvaitwa VaBennett richiti izvi zvinovhiringa kushanda zvakanaka kwehurumende yemubatanidzwa. MDC inoti VaBennett hapana mhosva yavakapara, sezvo mhosva iri kupomerwa VaBennett iri yemanyepo ari kuitwa nevanhu vanotsigira Zanu PF.
Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...