Kutongwa kwenyaya iri kupomerwa mubati wehomwe muMDC, Va Roy Bennett, hakuna kuzoenderera mberi neChipiri.
Zvinonzi vachuchisi venyaya iyi vakumbira dare kuti VaBennett vaiswe muhusungwa, uye kuti vatongwe vari mujeri. Chikumbiro ichi chichanzwikwa neChitatu nedare redzimhosva.
VaBennett vari kupomerwa mhosva yekuwanikwa vaine zvombo zvehondo nechinangwa chekubvisa hurumende nechisimba.
Asi VaBennett vari kuramba mhosva yavari kupomerwa. Mutungamiri wenyika, Va Robert Mugabe, vari kuramba kugadza VaBennett semutevedzeri wegurukota rezvekurima, vachiti vachagadza VaBennett kana nyaya yavo yapera kumatare.
Rimwe remagweta ari kumirira VaBennett, VaTrust Maanda, vanoti chikumbiro chapihwa nehurumende, hachina nemusoro wose. VaMaanda vanoti vari kupikisa chikumbiro ichi zvakasimba.