Nyaya yeMangoda Younza Makakatanwa muZANU PF

Panonzi paita ropa rakaipa muZANU-PF pamusoro penyaya yemangoda ekwaMarange mushure mekunge dare reHigh Court rati kutorwa kwerezinesi rekambani yeAfrican Consolidated Resources, kwaisava pamutemo.

Tsvakiridzo yeStudio7 iri kuburitsa pachena kuti vaimbova mukuru wemauto, General Solomon Mujuru, vane mashares zvikamu zvitatu kubva muzana kana kuti 3% mukambani iyi. Asi General Mujuru havana kudaira nhare yavo pataedza kuvabata.

Nekune rimwe divi, mukuru vemauto, VaConstantine Chiwenga, pamwe nemukuru wemapurisa, VaAugustine Chihuri, vachitsigirana nechikwata chemu ZANU-PF chiri kutungamirwa negurukota rezvekudzivirirwa kwenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanonzi vari kutsika madziro kuti hurumende isateerere mutongo wedare reHigh Court.

Imwe nyaya inonzi yanetsa ndeyekuti hapana ari kuziva kuti mangoda anosvika US$1 billion imwe chete yemadhora eku america, ayo aifanira kuchengetwa kusvika nyaya iyi yapera kutongwa mudare, yakafamba sei.

Asi hurumende iri kuti inoziva chete mangoda anosvika US$15 million chete, uye haingazive kuti mangoda anotengeswa nemukoto anofamba sei. Mangoda aya ari kutorerwa makorokoza uye mamwe akabvutwa kukambani iyi.

Dare rakati kunyange hazvo hurumende ikakwidza nyaya iyi kudare repamusoro, hazvimisi kambani yeACR kuchera mangoda.

VaJohannes Tomana ndivo muchuchusi mukuru wehurumende. VaTomana vanoti hurumende kudzokera kwavo kudare kunoreva kuti ACR haifanire kuchera mangoda.

Asi gweta rinorwira kodzero dzevanhu, VaDewa Mavhinga, vanotiwo hurumende inofanira kutevedzera mitemo pamwe nemitongo yematare.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...