Nestle Yocheka Hukama Vayo Nemhunda Vamai Mugabe

Nestle Zimbabwe inoti haichatengi mukaka kubva kuGushungo Dairy Estates, zvichitevera kushoropodzwa kwayakaitwa nemasangano akazvimirira.

Gushungo Dairy Estates ndeye mudzimai wemutungamiri wenyika, Amai Grace Mugabe, iyo vanonzi vakabvuta nechisimba kubva kumurimi wechichena.

Masangano akazvamirira oga anga aronga hurongwa hwekukurudzira vanhu kuti vasatenge zvinhu ku Nestle Zimbabwe.

VaRejoice Ngwenya inyanzvi munyanya dzezvematongerwo enyika.

Patience Rusere weStudio7 aita hurukuro navangwenya kuti tinzwe maenero avo.

Dzimwe Nhau Kubva KuStudio 7...