MDC Yotsamwiswa naVaShamu Voita Madiro muHurumende yeMubatanidzwa

MDC inotungamirwa naVa Morgan Tsvangirai inoti haisi kufara nekugadzwa kwakaitwa nhengo dzemabhodhi akasiyana siyana negurukota rezvekuburitswa kwemashoko, VaWebster Shamu.

Mabhodhi akagadzwa anosanganisira Zimpapers Board, New Ziana Board, Broadcasting Authority Board, Zimbabwe Broadcasting Holdings, Transmedia Board ne Kingstons Board.

Mutauriri weMDC, VaNelson Chamisa, vanoti VaShamu vaifanirwa kugara pamwe chete nevamwe vari muhurumende, vowirirana pavanhu vanofanirwa kunge vari mumabhodhi aya.

Dzimwe nhengo dzemabhodhi aya vanhu vakamboshanda semasoja. Studio& yaedza kutaura naVaShamu parunhare kuti tinzwe divi ravo, asi nhare yavo yanga ichinetsa kubata.

Vamwe vari mumabhodhi aya ndiVa Charles Utete, sachigaro mutsva weZimpapers. VaUtete vachashanda naVaChakanyuka Karase, Alexander Kanengoni, Munyaradzi Kereke, Brigadier-General Epmarcus Kanhanga, Nyasha Madzingira, Joseph Mandizha naVa Rungamo Mbire.

VaTafataona Mahoso ndivo sachigaro mutsva weBAZ. Va Mahofo vachange vachishanda Doctor Primrose Kurasha, Edward Dube, Retiired Colonel Reuben Mqwayi, Muzvare Charity Moyo, Brigadier General Elasto Madzingira, Amai Erica Mususa, Reverend J.D Mutuvira, Chief Gambiza, Amai Susan Makore, VaVimbai Chivaura pamwe naDr Godfrey Chada.

Vamwe vechiuto vari mumabhodhi mamwe mana ndiVa Brigadier General Benjamin Mabenge, Brigadier General Felix Muchemwa, Va Chris Pasipamire, Major General Gibson Mashingaidze, Brigadier-General Livingstone Chineka, Brigadier General Collin Moyo naColonel Claudius Makova.

Muzvare Millicent Mombeshora nidvo sachigaro webhodhi re Kingstons, VaCuthbert Dube ndivo sachigaro mutsva weZBH. Dr Paul Chimedza ndivo sachigaro mutsva weTransmedia, ukuwo Amai Rosemary Mazula vachange vakabata matomu ku New Ziana.

Masangano anomirira vatori venhau ari kushorawo zvikuru zvakaitwa naVaShamu. Masangano akaita se Misa-Zimbabwe, Media Alliance of Zimbabwe, Zimbabwe Union of Journalists, neamwe anoti haasi kufara nekugadzwa kwakaitwa VaMahoso sasachigaro weBAZ, uye kudomwa kwevaimbova mauto kupinda mumabhodhi aya.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...