Kambani yeACR Yochera Zvakare Mangoda kwaChiadzwa

Gweta riri kumirira kambani ye African Consolidated Resources, iyo yakanzi nedare re High Court ne Chishanu ndiyo ine kodzero yekuchera mangoda muminda yekwaChiadzwa kwaMarange, rinoti kambani iyi yatanga neChina kuchera mangoda.

VaJonathan Samkange vanoti dare reHigh Court rakapa mutongo wekuti hurumende yakaresva payakakanzura rezinesi rekambani iyi, iyo yakanga yapihwa mvumo yekuchera mangoda mugore ra 2006.

VaHungwe vakati makambani ehurumende anga achichera nekutengesa mangoda kwaMarange anofanira kupa ACR mari yose kana mangoda avakawana kubva 2006 pakadzingwa ACR nehurumende. VaSamkange vanoti ACR mumakore aya ingadai yakaita mari inopfuura mabiriyoni matanhatu emadhora yekuAmerica.

Vanoziva zviri kuitika vanotiwo mutongo uyu uri kukonzera kusawirirana kwakanyanya muZanu-PF, umo munonzi ndimo makatangira makakatanwa akaita kuti ACR itorerwe rezinesi rayakanga yapihwa nehurumende, kuburikidza nevaimbova gurukota rezvemighodhi, Va Amos Midzi.

Hurumende yakazoti Zimbabwe Mining Development Corporation nemasoja vapinde kundochera mangoda, izvo zvinova zvakarambwa na Justice Hungwe mumutongo wavo neChishanu.

Nyaya yemangoda ekwaChiadzwa iri kunetsawo musangano re World Diamond Council, iyo iri kuti mangoda emunzvimbo iyi, ari kutengeswa zvisiri pamutemo. Sangano re Kimberly Process rakapawo Zimbabwe kusvika musi wa 5 Gumiguru, kuti inge yabuda nehwaro hwakanaka pakucherwa pamwe nekutengeswa kwemangoda ekwaChiadzwa.

Hapana ati oziva kuti mutongo waVa Hungwe uchabata seyi hurongwa huripo pakati peZimbabwe neKimberly Process.

Asi VaSamkange vanoti kudzokera kwe ACR kwaChiadzwa kuri mugwara rezvinodiwa ne Kimberly Process.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...