Sangano rePremier Soccer League Rombomisa Mitambo

Zvikwata zvinobva Angola, Botswana, Lesotho, Madagascar, Malawi, Mauritius, Mozambique, Namibia, Seychelles, Swaziland, South Africa, Tanzania, Zambia neZimbabwe zvichange zviri pamakwikwi aya.Sangano rePremier Soccer League razivisa kuti richamisa mitambo yeLeague kubvira svondo rino uya kuitira kuti zvikwata zviwane mukana wekugadzirira kutamba mumakwikwi eSouthern African Football Federation (COSAFA) championship 12th edition achatanga munyika mwedzi uno uya.

Managing Director vechikwata che Gunners icho chiri pamusoro pe League parizvino va cuthert chitima vanoti izvi zvichapa vatambi mukana wekuti vagadziriri makwikwi makuru aya achange ane zvimwe zvikwata zvinobva kunze kwenyika.

Zvikwata zvinobva kuAngola, Botswana, Lesotho, Madagascar, Malawi, Mauritius, Mozambique, Namibia, Seychelles, Swaziland, South Africa, Tanzania, Zambia neZimbabwe zvichange zviri pamakwikwi aya.

Ngatinzweyi hurukuro yaitwa naMarvellous Mhlanga Nyahuye weStudio Seven ava Chitima kuti tinzwe zvizere nezve nyaya iyi.

Dzimwe Nhau Kudza KuStudio Seven…