Muzvare Mukoko neVamwe Vavo Voda Kuripwa US$19,5m neHurumende

Magweta ari kumirira mutungamiri weZimbabwe Peace Project, Muzvare Jestina Mukoko nevamwe vavo gumi nevanomwe, anoti ari kuda mari inoita US$19,5m yekuti hurumende iripe vanhu ava.

Magweta aya anoti ari kuda kuti vanhu ava varipwe sezvo hurumende yakatyora kodzero dzavo.

Muzvare Mukoko vega vari kuda kuripwa mari inodarika mazana mashanu ezviuru zvemadhora eku America.

Muzvare Mukoko vakapambwa muna Zvita gore rapera, uye vamwe vavo vakapambwawo munguva iyi.

Magweta aya akakwidza kudare vanhu vanonzi ndivo vakavapamba, avo vanosanganisa vakuru vesangano revasori pamwe nemapurisa. Vamwe vari kukwidzwa kudare makurukota ezvemukati menyika, VaGiles Mutsekwa naVaKembo Mohadi, gurukota rezvemitemo, VaPatrick Chinamasa, uye gurukota rinotungamira vasori, VaSydney Sekeramayi.

Dare reSupreme Court rakapa mutongo wekuti matare asiyane nemhosva yanga ichipomerwa Muzvare Mukoko, sezvo vakasungwa zvisiri pamutemo.

Muchuchusi mukuru wehurumende, VaJohannes Tomana, vaudza Studio7 kuti vachateerera mutongo uyu, uye vatiwo vachaenderera mberi nekuchuchisa dzimwe nyaya dzasara dzakafanana neyaMuzvare Mukoko.

Vakuru muhurumende vasina kuda kudomwa nemazita avo vanotiwo nyaya yekuburitsa mazita evanhu vakapamba Muzvare Mukoko nevamwe vavo iri kukonzera kugedageda kwemeno muhurumende.

Hurumende iri kuyedza kuti mazita evanhu ava asaburistwe. Asi VaTomana vanoti havangamise Muzvare Mukoko nevamwe vavo panyaya yekukwidza vavanoti vakavapamba kumatare edzimhosva. VaAndrew Makoni gweta riri kumiririra vamwe vakapambwa ava. VaMakoni vati vavari kumiririra vari kuda kuti vakavapamba varipe.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...