Mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, vaita musangano neChina nevamiriri venyika dzekunze muZimbabwe. VaTsvangirai vanonzi vaudza vamiriri ava mamiriro akaita zvinhu muhurumende yemubatanidzwa.
Mutauriri waVaTsvangirai, VaJames Maridadi, vanoti VaTsvangirai vaudzawo vamiriri venyika dzekunze kuti mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vari kutarisirwa kugadza makomishina eZimbabwe Media Commission, pamwe neeBroadcasting Authority of Zimbabwe, pavanodzoka kubva kumusangano weUnited Nations General Assembly uri kuitirwa muNew York kuAmerica.
Mushure mekusangana nevamiriri ava, VaTsvangirai vaendawo kunoona zviri kuitwa kumusangano weInformation and Communication Technology, uko vataura pamusoro pemusangano uyu.
Mune imwewo nyaya, vamwe vakuru vakuru muMDC vanonzi vari kuda kuti bato ravo ribude muhurumende yemubatanidzwa nekuti VaTsvangirai, havasi kuremekedzwa naVaMugabe, kubva pakatanga kushanda hurumende iyi.
Vakuru vemauto nemapurisa vari muNational Security Council vanonzi vave kurambazve kuita misangano naVaTsvangirai, asi vachiita misangano
naVaMugabe chete.
VaMugabe vanonziwo havasi kuda kuti VaTsvangirai vaite sachigaro wedare remakukurukota kana vasipo.
ZANU-PF iri kuti VaMugabe chete ndivo vanofanira kuita sachigaro wedare remakurukota. VeMDC vanonzi vakaorawo moyo neChina nekuti mapurisa ari kuda kusungazve Director of Security webato iri, VaChris Dhlamini.
Mapurisa anonzi ari kuda kuvasungira nyaya yekuti vakaendesa mazita evanhu vanonzi vakaponda vanhu munguva yesarudzo kuhofisi yemuchuchusi mukuru wehurumende.
VaCharles Mangongera vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika. VaMangongera vanoti VaMugabe havafanire kuzvidza VaTsvangirai sezvo vose vari muhurumende yemubatanidzwa.