MDC Inoti Yakagadzirira Kupinda Musarudzo Chero Nguva

Bato reMDC inotungamirirwa naVaMorgan Tsvangirai rinoti rakagadzirira kupinda musarudzo dziri kunzi naVaMugabe dzinganoitwa muna 2011.

MDC inoti kana munyika muchinge mava nebumbiro idzva remitemo yenyika, boka idzva rinoona nezvesarudzo, uye pasina mhirizhonga, yakagadzirira kupinda musarudzo chero nguva.

Mashoko eMDC aya anotevera kurudziro yakaitwa svondo rapera nemutungamiri weZanu PF, VaRobert Mugabe, kunhengo dzebato ravo, yekuti dzigadzirire sarudzo mugore ra2011, kana pangopedzwa kunyorwa kwebumbiro idzva remitemo yenyika.

Vachitaura kumusangano wemadzimai emubato ravo, VaMugabe vakakurudzira kuti Zanu PF igadzirire sarudzo muna 2011. VaMugabe vakatiwo hwaro hwebumbiro idzva remitemo huchabva muKariba Draft, iyo iri kurambwa neMDC, kunyange hazvo bato iri rakanyora draft iyi pamwe chete neZanu PF muna 2007.

Mutauriri weMDC, VaNelson Chamisa, vanoti chibvumirano cheGPA chinoti munyika muitwe sarudzo kana pava nebumbiro idzva remitemo yenyika.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, uye vari mudzidzisi paUniversity of Zimbabwe, Professor John Makumbe, vanoti zvimwe zvinogona kuitwa neZanu PF kuti sarudzo dziitwe muna 2011, kubuda muhurumende yemubatanidzwa, ndokunge vanhu varamba kutambira draft constitution mu referendum.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...