Cara Black naLiezel Huber Vanopinda muSemi-Final yeUS Open

Mutambi wetenisi Cara Black, nemumwe wake Liezel Huber, vasvika mu semi final ye women's doubles pamakwikwi eUS Open ari kutambirwa kuNew York muAmerica pari zvino.

Cara Black na Liezel Huber vakakunda Nuria Liagostera Vives na Maria Jose Martinez Sanchez pamutambo we quarter final wakatambwa neChitatu manheru.

Cara naLiezel vachatamba naSamatha Stosur na Rennae Stubbs vekuAustralia mu semi-final.

Serena na Venus Williams vakunda Alisa Kleybanova na Ekaterina Makarova neChina izvo zvapa kuti vapinde mumakwikwi ekupedzisira e US Tennis Open 2009.

Murairidzi wemutambo wetenisi, VaClaudio Murape, vanoti vari kufadzwa nekutamba kuri kuita Cara ku US Open.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7…