Sangano reEuropean Union rinoti riri kutumira vamwe vakuru vakuru varo kuZimbabwe kuti riyedze kuumbiridza hukama hwaro nehurumende yemubatanidzwa.
Asi EU inoti mukuenda kuZimbabwe, hazvirevi kuti iri kuda kubvisa zvirango zvayakatemera vakuru veZANU-PF pari zvino.
Vari kutarisirwa kusvika muZimbabwe igurukota rinoona nezvebudiriro muSweden, VaGunilla Carlssson, pamwe nemukuru anoona nezvebudiriro muEU, VaKarel De Gutch. Sweden ndiyo iri kutungamira EU pari zvino.
Vaviri ava vari kutarisirwa kuita musangano nemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, pamwe nemutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai.
Asi EU inoti ichatanga kunyatsodyidzana neZimbabwe kana mapato ose ari muhurumende yemubatanidzwa ava kutevedzera zviri muchibvumirano cheGPA.
Mashoko aya atsinhirwa nemutungamiri wehurumende yeSweden, VaFredrik Reinfeldt, avo vari kumusangano weEU neSouth Africa uyo uri kuitirwa muJohannesburg. VaReinfeldt vanoti zvirango handizvo zviri kukanganisa zvinhu muZimbabwe, asi kuti kusagona kutonga uye kusatevedzera kodzero dzevanhu kuri kuitwa naVaMugabe nevamwe vavo, ndizvo zviri kudzosera shure budiriro muZimbabwe.
Professor John Makumbe vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika, uye vari mudzidzisi mukuru paUniversity of Zimbabwe. Professor Makumbe vanoti Zimbabwe ngaichinje maitiro ayo isati yati zvirango zvibviswe.
Ukuwo sangano rinorwira kodzero dzevanhu pasi rose, reHuman Rights Watch, rakurudzira kuti zvirango zvakatemerwa VaMugabe nevamwe vavo nenyika dzekumavirira zvisabvisve, nekuti kuchorwa kwekodzero dzevanhu muZimbabwe kuchiri kuenderera mberi.
Mashoko aya anotevera kurudziro yeSADC neChipiri, yekuti zvirango izvi zvibviswe sezvo zviri kukanganisa hurumende kuti imutsidzire hupfumi hwenyika.
Asi Human Rights Watch inoti nyika dzakaita seBritain neAmerica, hadzifanirwi kuteerera kurudziro yeSADC iyi. Human Rights Watch inoti hurumende yeZimbabwe inofanirwa kubvisa mitemo yese inodzvanyirira.
VaGabriel Shumba igweta rinorwira kodzero dzevanhu uye vari Executive Director veZimbabwe Exiles Forum. VaShumba vanoti vanobvumirana nekurudziro yaitwa neHuman Rights Watch, yekuti zvirango zvakatemerwa VaMugabe nevamwe vavo zvirambe zviripo.