Imwe Nhengo yeMDC Inopondwa neMasoja kuShurugwi

Bato reMDC inotungamirirwa naVaMorgan Tsvangirai rinoti imwe nhengo yaro kuShurugwi South, mudunhu reMidlands, VaGodknows Dzoro Mtshakazi, vakarohwa zvakaipisisa nemasoja ndokufa mushure mekunge varidza kambo kanonzi “Nharembozha”.

Zvinonzi musi wa30 Nyamavhuvhu, VaMtshakazi, avo vaive nemakore makumi matatu nematatu ekuberekwa, vainwa zvavo doro nevamwe vavo panzvimbo yemabhizimisi yeMufiri kuShurugwi, vachinzwa mumhanzi iyi pakasvika masoja mana achivapomera mhosva yekuridza dzimbo dzeMDC munguva apo pava nehurumende yemubatanidzwa.

Masoja aya anonzi akatanga kurova vanhu vaive mubhawa umu, vachizotora VaMtshakazi voenda navo kukamba yavo, uko vakasvikorohwa zvakaipisisa nemasoja aya.

Zvinonzi mumwe wemasoja akaita izvi, akasungirwa kuBulawayo, uye nyaya iyi yave mumatare edzimhosva.

VaMtshakazi vava nhengo yeMDC yechina kupondwa mukati memwedzi mumwe chete, zvichitevera kupondwa kwaVaEdwin Chingami naVaJoseph Munyuki kuMasvingo, uye VaNoel Denias kuBanket, kuMashonaland West.

Vanoona nezvesarudzo mudunhu reMidlands muMDC, VaObert Ncube, vanoti chiitiko ichi chinhu chakanga chisingatarisirwi munguva ino apo munyika muine hurongwa hwekugarisana.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...