Zimta nePTUZ Dzopesana paNyaya yeKuramwa Mabasa

Kuramwa mabasa kwevarairidzi vari pasi pe ZIMTA kunonzi kuri kuenderera mberi, kunyange hazvo vakuru verimwe sangano revadzidzisi re PTUZ, vari kuti vana vazhinji vari kudzidza muzvikoro nekuti varairidzi vadzokera kumabasa avo.

Zimta iri kuti vese varairidzi vari pasi payo havasi kuzodzokera kumabasa kusvikira hurumende yawedzera mari dzavanotambiriswa.

Varairidzi vari kuda mari inosvika mazana mashanu emadhora eku America pamwedzi. Chief Executive veZimta, Va Sifiso Ndlovu, vanoti vari kutarisira kuti musangano wevarairidzi uri kutarisirwa kuitwa neChipiri negurukota redzidzo, Va David Coltart, uchabuda negwara rakanaka.

Ukuwo PTUZ iri kutiwo manyepo kuti vadzidzisi havazi muzvikoro.

Mutungamiri we PTUZ, Va Takavafira Zhou, vanoti zvikoro zvakavhurwa, uye vana vechikoro vari kudzidza.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...