Sangano reZimbabwe Association For Crime Prevention And Rehabilitation of The Offender, (ZACRO), rinoti rinotambira nemufaro danho rakatorwa nehurumende rekuregerera vasungwa vanosvika chiuru nemazana mashanu.
Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vanopihwa masimba nemutemo ekuregerera vamwe vasungwa nguva nenguva, senzira yekuderedza huwandu hwevasungwa vari mumajeri. Zimbabwe ine majeri makumi mashanu nemashanu, ayo anofanirwa kunge aiine vasungwa vanosvika zviuru gumi nezvinomwe, asi huwandu chaiho hwevasungwa vari mumajeri, hwakawanda zvikuru. Hurumende inoti icharegerera vasungwa ava sezvo chikafu chiri chishoma mumajeri, uye kuwandisa kwaitawo vasungwa vari mumajeri.
Vasungwa vacharegererwa vanosanganisira madzimai makumi masere nevapfumbamwe, uye vasungwa vane makore ari pasi pemakore gumi nemasere vapika zvikamu makumi maviri nezvishanu kubva muzana zvemutongo wavakapihwa, pamwe nevasungwa vese vanorwara nezvirwere zvisisarapike.
Vamwe vasungwa vacharegererwa pasi pechirongwa ichi, ndeavo vakasungwa nguva iri mushure maChivabvu 31, 1989.
Marvellous Mhlanga Nyahuye weStudio7 aita hurukuro naVaGabriel Ziyambi, assistant programme manager we ZACRO, kuti tinzwe zvizere.