Vana veChikoro Vazhinji Voshaya Varairidzi muZvikoro

Zvinonzi zvikoro zvizhinji zvatadza kuvhurwa munzvimbo dzakawanda, zvikuru mumaguta, sezvo varairidzi vazhinji vatevera kurudziro yeZimta yekuramwa mabasa kutanga Chitatu pavhurwa zvikoro.

Sangano reZimta rakazivisa kuti nhengo dzaro dzichatanga kuramwa mabasa kubva panotanga temu yetatu, dzichida kuti dziwedzerwe mari dzemihoro.

Asi masangano ePTUZ neTeachers Union of Zimbabwe, TUZ, ayo akasangana nehurumende neMuvhuro, ari kukurudzira varairidzi kuti vaende kumabasa.

Asi zvinonzi dzimwe nhengo dzemasangano aya, dzapindawo mukuramwa mabasa uku. KuBulawayo neMutare, zvinonzi vana vechikoro vanga vachingomberereka muzvivanze zvezvikoro sezvo varairidzi vanga vasingasevenzi.

MuHarare, vamwe vatungamiri vezvikoro vanonzi vanga vachitodzinga vana kuti vadzokere kudzimba dzavo sezvo varairidzi vanga vasingadzidzisi.

Munyori mukuru weZimta, VaRichard Gundani, vanoti kurudziro yavo yadairwa nevarairidzi.

Ukuwo munyori mukuru wePTUZ, VaRaymond Majongwe, vatiwo nhengo dzavo dzaenda kumabasa.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...