Paramende iri kuronga kumutsiridza zvakare hurongwa hwekusungira nhengo dzeparamende pamwe nemakurukota kuburitsa pachena hupfumi hwose hwavainahwo, senzira yekudzivirira huwori muvakuru vehurumende.
Hurongwa uhu hunonzi hunoda kuitirwa kujekesa mashandiro evari mumahofisi makuru, sezvo vachibata mari nemidziyo yeveruzhinji.
Aka hakasi kekutanga paramende kuita zvakadai. Vaimbove gurukota rezvemitemo, muchakabvu Eddison Zvobgo, vakamboisa murawu wakadai kuitira kuti huori husaitike muhurumende.
Mutauriri weparamende, VaLovemore Moyo, vati ichokwadi kuti pane hurongwa hwekumanikidza nhengo dzeparamende nemakurukota kuburitsa pachena hupfumi hwavo, Vatiwo izvi zvinofambirana nemutemo wedare reparamende.
VaPhillip Pasirayi vanoongorora zvematongerwo enyika uye vachitungamira sangano reCentre for Community Development. VaPasirayi vanoti chirongwa ichi chikateverwa nemazvo, chakanaka zvikuru.
Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...