Hurumende Inodzinga Basa Vana Chiremba Vari Kuramwa Mabasa

Sangano re Health Services Board radzinga basa neChishanu vana chiremba vose vanga vachiramwa mabasa. Vana chiremba vachiri kupeta zvidzidzo zvehunyanzvi muzvipatara zvehurumende, vanga vachiti vanoda kuti hurumende iwedzere mari dzavanotambira kuitira kuti vadzokere pamabasa.

Vana chiremba ava vari kutambira US$170 pamwedzi, asi vari kuda kuti mari yavanotambira, isvike pachiuru chimwe chete chemadhora ekuAmerica pamwedzi.

Mutsamba dzapihwa vana chiremba ava, iyo yanyorwa nevakuru wemuzvipatara zvehurumende, hurumende inoti vana chiremba vose vanga vachiramwa mabasa havachisiri vashandi vehurumende, sezvo vakaramwa mabasa zvisiri pamutemo, uye vakaisa hupenyu hwevarwere munjodzi huru.

Hurumende yatiwo vana chiremba ava vanofanirwa kubuda mudzimba dzehurumende dzavari kugara pazvipatara zvanoshandira, uye kana vachida basa, vanofanirwa kunyorera kubazi rehurumende.

Vana chiremba ava vati vashamiswa zvikuru netsamba dzavapihwa neChishanu zvekuti vava kukumbira mutungamiriri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, vapindire munyaya iyi. VaTsvangirai, avo vambonga vataura kumusangano we Zimbabwe Medical Association vachikurudzira kuti vana chiremba ava kuti vadzokere kumabasa, vati vanoziva kushupika kwavana chiremba uye kuti vari kukwira michovha kuenda kumabasa kunorapa vanhu. VaTsvangirai vatiwo kungave kusarura kupa chete nhengo dzeparamende mari dzekutenga dzimotokari vana chiremba vari kushandawo zvakasimbarara vasingapihwe mukana wekutenga dzimotokari.

VaTsvangirai vanga vavimbisa kuti vachaita zvese zvavanogona kuedza kugadzirisa nyaya dziri kunetsa muvashandi vehutano. VaTsvangirai vakurudzira kuti vana chiremba kuti vadzoke kubasa.

Hazvina anoziva kuti pange pachitaura VaTsvangirai, vanga vachiziva here kuti vana chiremba ava vatodzingwa basa. Asi nyanzvi munyaya dzehutano dzinoti zvose zvinoitwa neHealth Services Board, zvinpirwa kugurukota rezvehutano, Dr Henry Madzorera, avo vanofanirwawo kuudza mutungamiri wenyika, pamwe nemutungamiri wehurumende.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kuna VaMadzorera kuti seyi hurumende yasvika pakudzinga basa vana chiremba ava.

Va Brighton Chizhande ndivo mutungamiri we Zimbabwe Hospital Doctors Association. VaChizhanje vanoti hurumende iri kushandisa chisimba panyaya iyi, izvo vanoti hazvipedzi gakava riripo, sezvo hurumende ichida vana chiremba vayadzinga mabasa kuti vange vachirapa varwere.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...