Vanhu Vashanu Vanobatwa neSwine Flu muZimbabwe

Vanhu vashanu vemuZimbabwe vabata nechirwere che swine flu. Vabatwa nechirwere ichi vana vadiki vane makore ari pakati pemakore mashanu nemakore gumi, uye vanodzidza pachimwe chikoro chiri kwaMutare.

Gurukota rezvehutano, VaHenry Madzorera, vaudza vatori venhau kuti hurumende yakagadzira kurwisa chirwere ichi. Aka ndekekutanga chirwere ichi kuzivikanwa munyika.

Hurumende inoti ichabatsirwa ne University of Zimbabwe pamwe neWorld Health Organization mukurwisa chirwere che swine flu, pamwe nekuona kuti vanhu vakawanda havabatwe nechirwere ichi.

Chirwere ichi chinobata vanhu ava apo vana chiremba pamwe navana mukoti vari kuramwa mabasa muzvimwe zvipatara zvehurumende vachiti vanoda kuwedzerwa mari dzavanotambira pamwedzi. Kuramwa mabasa kwavana chiremba navana mukoti kunonzi kunogona kuvhiringa hutano hwevanhu vanenge vari muzvipatara vachirapwa.

VaItayi Rusike ndivo Executive Director ve Community Working Group on Health. VaRusike vanoti chirwere ichi chinorapika, asi chiri kuuya apo zvinhu zvisina kumira zvakanaka muhurumende, iyo iri kunetsekana kuwana mari yekutambirisa vashandi vayo pamwe nekutenga zvinodiwa muzvipatara.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...