Sangano rinorwira kodzero dzevanhu reCrisis in Zimbabwe Coalition rinoti mukupera kwemwedzi, riri kuronga kuburitsa gwaro rinoongorora mashandiro aita hurumende yemubatanidzwa kubva yaumbwa kusvika pari zvino.
Gwaro iri richange richinyanyotarisa zvakatadzwa kuitwa nehurumende iyi, pamwe nezvayakwanisawo kuita, uye richasvitwa kuvatungamiri vehurumende pamwe nevemasangano eSADC neAfrican Union.
Sangano iri rinoti riri kuda kuti vatungamiri veSADC, vange vave negwaro iri pavachasangana mwedzi unouya kuDRC, apo nyaya yeZimbabwe ichakurukurwa.
Sangano iri rinotiwo kushandiswa kwemauto munyaya dzezvematongerwo enyika nekumbunyikidza kwekufambiswa kwenhau, ndezvimwe zviri mugwaro iri. Gwaro iri rinobatawo kutyorwa kwekodzero dzevanhu, nezvimwe zvakadaro.
VaPedzisai Ruhanya ndivo Programmes Manager weCrisis in Zimbabwe Coalition. VaRuhanya vanoti vachange vachitarisa zvakanyoreranwa muchibvumirano cheGlobal Political Agreement kuti zviri kuzadziswa here.
Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...