Varwere Voyaura neKushaya Anovabatsira

Kuramwa mabasa kuri kuitwa navana chiremba pamwe nevana mukoti, uye kusashanda nemoyo wese kuri kuitwa nevamwe vashandi vemuzvipatara zvehurumende, kuri kuisa hupenyu hwevarwere panjodzi huru.

Masangano anoshanda nevanorarama ne HIV/AIDS ari kukurudzira hurumende navana chiremba kuti vataurirane, kuitira kuti varwere vasarambe vachishupika.

Asi vana chiremba ava vanoti havasi kuzodzokera kubasa kudzamara vabhadharwa mari dzavari kuda kutambiriswa, idzo dziri pakati pezviuru nemazana mashanu emadhora nezviuru zvitatu zvemadhora ekuAmerica pamwedzi. Vana chiremba ava vava nemasvondo matatu vachiramwa mabasa.

Muzvare Martha Tolana vanoshanda ne Zimbabwe Network for Positive Women. Muzvare Tolana vanoti varwere vakawanda vakatarisana nenguva yakaomarara zvikuru.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...