Mutungamiri weSouth Africa, VaJacob Zuma, avo vari kutarisirwa kupinda munyika musi wa27 Nyamavhuvhu, vachatarisana nedambudziko guru pakugadzirisa zviri kunetsa muhurumende yemubatanidzwa.
South Africa ndiyo sachigaro weSADC, uye ndiyo mutongi gava panyaya yeZimbabwe. Zanu-PF neMDC dzave kukandirana makobvu nematate pamashandiro ehurumende yemubatanidzwa izvo zviri kukonzera kudengendeka kwehurumende iyi.
Vamwe vakuru muZANU-PF vari kuti MDC yave kuda kupidigura mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe. Ukuwo MDC inoti ZANU-PF iri kuda kupaza bato iri ichishandisa mapurisa nematare.
MDC inoti nyaya yekuti Director General webato iri, VaToendepi Shonhe, vakawanikwa vasina mhosva neMuvhuro mushure mekundundurudzwa kumatare vachinzi vainge vanyepa mukupa huchapupu mune imwe nyaya, chiratidzo chekuti nhengo dzayo dziri kuoneswa ndondo nemapurisa pasina mhosva yadzinenge dzapara.
Vakatungamira mapato matatu eMDC neZanu PF mukuumba chibvumirano cheGlobal Political Agreement, VaTendai Biti, VaPatrick Chinamasa uye VaWelshman Ncube, vakadaidzwa neMuvhuro nevatungamiri vemapato matatu kuti vape pfungwa dzavo pane zviri kunetsa muhurumende yemubatanidzwa.
Asi musangano uyu hauna kuzoenderera mberi sezvo mutevedzeri wemutungamiri wehurumende, VaArthur Mutambara, vasina kubudirira kuenda kumusangano uyu. VaCharles Mangongera vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika. VaMangongera vanoti ZANU-PF ndiyo iri kunyanya kuita hukasha, izvo zviri kudzosera shure hurumende yemubatanidzwa.