European Commission Inopa Zimbabwe Mari yeChikafu

Sangano re European Commission ravimbisa kupa Zimbabwe mari inoita 9 million Euros yekubatsira panyaya yekutenga chikafu. Mari iyi ichapiwa kumasangano e European Commission anoona nezverubatsiro munyika.

European Commission inoti ichapa Zimbabwe mari iyi mushure mechikumbiro chakaitwa nemutungamiri wehurumende, Va Morgan Tsvangirai, mukushanya kwavakaita kuBrussels, Belgium, gore rino.

VaJonah Nkabinde inyanzvi munyaya dzekurima. VaNkabinde vanoti kunyange hazvo vachitambira nemufaro rubatsiro rwakadai, Zimbabwe inofanirwa kugara yakagadzirira pnayaya dzekurima panotanga mwaka wekurima, kuitira kuti nyika ive nechikafu chinoikwanira.

Sangano reWorld Food Program rinoti Zimbabwe inoda mari inodarika mazana manomwe emamiriyoni emadhora ekuAmerica yekutenga chikafu. Pari iri kudiwa iyi, vanobatsira vakakwanisa kubvisa mari inodarika mazana matatu emamiriyoni emadhora ekuAmerica.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...