Varwere Voshaya Vanovarapa muZvipatara zveHurumende

Kuramwa mabasa kwavana chiremba vachiri kupeta zvidzidzo zvehunyanzvi kuri kuenderera mberi. Izvi zvinonzi zvapa kuti dzimwe nzvimbo dzekurapira varwere dzivharwe kuzvipatara zve Parirenyatwa ne Harare Hospital muHarare, uye Mpilo Hospital muBulawayo.

Zvipatara izvi hazvisi kutora varwere vatsva nekuti vana mukoti navana chiremba vakuru vari kutadza kunyatsoyamura varwere vavainawo kare.

Vana chiremba vakakanda mapadza pasi vanoti vari kuda mari inosvika chiuru chemadhora eku America pamwedzi kubva kuhurumende. Pamusoro pemari iyi, vari kuda zvakare kuti masangano ari kubatsira, avapewo chiuru chemadhora, uye chipatara chopazve chimwe chiuru chemadhora kuitira kuti vange vachiwana zviuru zvitatu zvemadhora eku America pamwedzi.

Pari zvino vana chiremba ava vari kutambira zana nemakumi manomwe emadhora, vachizopihwazve mazana maviri nemakumi maviri emadhora eku America mwedzi wega wega nerimwe sangano rekunze semari yekubatsirikana. Studio7 haina kukwanisa kunzwa kugurukota rezvehutano, Dr Henry Madzorera.

Dr Douglas Gwatidzo ndivo sachigaro veZimbabwe Association of Doctors for Human Rights. VaGwatidzo vanoti matambudziko akatarisana nezvipatara anofanirwa kugadziriswa nechimbichimbi. VaGwatidzo vanotiwo panofanirwa kuva nekuvimbika pakati pehurumende navana chiremba kuitira kuti nyika ifambire mberi.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...