Vana chiremba vachiri kupeta zvidzidzo zvehunyanzvi vari kuenderera mberi nekuramwa mabasa mumamwe maguta ari munyika, vachiti mari yavari kupihwa ishoma zvikuru. Vana chiremba ava vanoti vari kuda mari inosvika chiuru chemadhora ekuAmerica pamwedzi, nekuti vari kuita basa guru kuchengetedza hutano hwenyika.
Pari zvino vana chiremba ava vanotambira zana nemakumi manomwe emadhora pamwedzi, vachizopihwazve mazana maviri nemakumi maviri emadhora nerimwe sangano rekunze semari yekubatsirikana. Vana chiremba vari kuti mari yekubatsirikana iyi dzimwe nguva haitouyi zvachose.
Kuramwa mabasa uku kwakatanga kuMpilo Hospital masvondo maviri apfuura. Vana chiremba veku Harare Hospital nekuParirenyatwa vakazopindawo mukuramwa mabasa. Vana chiremba vari kuti chimwe chiri kunyanya kuvatsamwisa inyaya yekuti hurumende yemubatanidzwa haisi kuvabvunzawo isati yatora matanho ayiri kutora pamusoro pekugadzirisa hutano hwenyika.
Dr Brighton Chizhanje ndivo mukuru weHospital Doctors Association. VaChizhange vati hapana chati chachinja nokudaro vana chiremba vacharamba vasingaendi kubasa kusvika zvichemo zvavo zvagadziriswa.
Ukuwo mumwe wevashandi vemuzvipatara kuBulawayo, Muzvare Vicky Nkomo, vanoti vana chiremba vari kuramwa mabasa vanofanirwa kuisawo pamberi zvido zvevarwere vavanofanirwa kunge vachibatsirikana.
Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...