MDC Inochema Kushaya kwaVaMsika

Mapato ose ari maviri eMDC atumira mashoko enyaradzo kumhuri yaVaMsika, zvichitevera kushaya kwemutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaJoseph Wilfred Msika neChitatu.

MDC inotungamirirwa naVaMorgan Tsvangirai yarumbidza VaMsika semutungamiri akanga akachena, uye asingaiti zvehuwori. Bato iri ratiwo kushaya kwaVaMiska svondo rimwe chete nyika yatarisana nezuva rekurangarira magamba, chiratidzo chekuti vaive gamba reZimbabwe rechokwadi.

Hurumende inoti VaMsika vakashaya neChitatu kuchipatara cheWest End muHarare uye vari kutarisirwa kuradzikwa neMuvhuro kumarinda emagamba eHeroes’ Acre.

VaMsika vanozivikanwa zvikuru nekurwira rusununguko rwenyika, uye vakasungwa kakawanda nehurumende dzaidzvanyirira voruzhinji. VaMsika vakafa vava nemakore makumi masere nematanhatu, uye vasiya mudzimai, Maria, nevana vatatu nevazukuru.

Mutauriri weMDC inotungamirirwa naVaTsvangirai, VaNelson Chamisa, vanoti hapana anopokana nehugamba hwaVaMsika munhoroondo yeZimbabwe.

Ukuwo mutauriri weMDC inotungamirirwa naVaArthur Mutambara, VaEdwin Mushoriwa, vatiwo VaMsika vacharangarirwa nekubatanidza vana VeZimbabwe kwavakaita.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...