Gakava Pakati peGunners naMoses Chunga Rapera

Murairidzi wechikwata cheGunners Football Club, VaMoses Chunga, avo vange vachinetsana nehutungamiri hwechikwata ichi, vanoti vagadzirisana zvavanga vachinetserana uye vava kurairidza chikwata chavo.

Gunners ine mutambo mukuru neCaps United kuGwanzura neSvondo. VaChunga vanoti vari kufadzwa nedanho rakatorwa neConfederation Of African Football rekuti zvikwata zviviri munyika ndizvo zvinokwanisa kuenda kuCAF Champions League gore rinouya.Vanoti chikwata chavo chicharwisa zvikuru kuitira kuti chiendewo kumakwikwi aya.

Gunners ndiyo iri mumashure meDynamos pa Premier Soccer League log.

Marvellous Mhlanga Nyahuye weStudio7 aita hurukuro naVa Chunga pamusoro pemamiriro akaita zvinhu muchikwata chavo.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7…