Hurumende Yemubatanidzwa Yoita Zinyekenyeke

Hurumende yemubatanidzwa inonzi yapindwa napongwe mushure mekusungwa zvakanyanyaya kworamba kuchiitwakwengo dzemdcinotungamirwa nemutungamiri wehurumende VaMorgan Tsvangirai.

NeChipiri imwezve nhengo yeparamende yeMDC varizve mutevedzeri wegurukota revechidiki vaThamsanqa Mahlangu vanonzi vakasungwa nemamapurisa kuhofisi yavo muHarare vakaendeswa kuHarare Central Police Station.

Gweta ravo rinoti varikupomerwa mhosva yekuba mbozhanhare yaVaJoseph Chinotimba mutevedzeri wemutungamiri wesangano revarwi verusununguko.

MDC yakatotura kudare reparamende neChipiri kuti muchuchusi mukuru wehurumende VaJohannes Tomana vanofanira kuti vaongororwe nedare iri nenyaya yekuramba vosunga nhengo dzeMDC kunyangwe nhengo dzeZANU-PF dziri kupomwerwa mhosva dzekuponda vanhu dziri kuramba dzichiita madiro ajojina.

Zvichakadaro kuGweru neChipiri zvakare gweta riri kumirira mayor weKwekwe VaShadreck Tobaiwa pamwe chete negweta VaTapera Sengweni rati nyaya yavari kupomerwa yekuti vaida kuvhiringidza mafambiro emutemo inofanirwa kuraswa sezvo pasina zvinoratidza kuti vakatyora mutemo pane zvavakaita.

Vaviri ava vanonzi vainge vachida kuti nyaya iri kupomerwa mumiriri wekwekwe mudare reparamende vablessing chebundo yekubata chibharo isarambe iri kumatare.

Tichiri panyaya yekushungurudzwa kwenhengo dzemdc bato iri rinotiwo munyori mukuru waro VaTendai Biti vakatumirwa bara repfuti netsamba yekuti vagadzirise nhaka yavo.

VaBiti vanonzi vakasara vavhunduka zvikuru nechiitiko ichi. Mapurisa anoti ari kuferefeta nyaya iyi. Bato reMDC rinoti ririkufungidzira kuti ZANU-PF ndiyo yakaita izvi.

Muzvare Thabita Khumalo ndivo mutevedzeri wemutauiriri weMDC. Muzvare Khumalo vaudza mutori wenhau weStudio 7 kuti vari kuda kuti nyaya iferefetwe nemapurisa.

Dzimwe Nhau Kubva KuStudio 7...