Sangano reMedicines Sans Frontiers rinoti vanhu vakawanda munyika vari kutadza kuwana rubatsiro rwemapiritsi ema ARVs, sezvo vasina mari uye kushaikwa kwemishonga inobatsira mukuderedza hukasha hwe HIV/Aids muzvipatara zvehurumende.
Mashoko aya anobuda mushure mesvondo rimwe chete hurumende yaparura chirongwa chekupa vanhu vanosvika zviuru makumi mashanu mishonga iyi pachena.
MSF inoti nyika dzinopa mari yerubatsiro kuhomwe dzakaita seGlobal Fund for Aids, Tuberculosis and Malaria hadzisi kuita sekutsidzira kwadzakaita makore mashanu apfuura kuti dzichapa mari yakawanda mukubatsira kurwisa hutachiona uhwu.
Kushaikwa kwemari uku ndikwo kwaita kuti vane utachiona uhu vadzoserwe kudzimba dzavo nemakirinika vasina kubatsitrwa.
MuZimbabwe vanhu vari kurarama nechirwere ichi vatambura kwenguva refu nekuda kwekushaikwa kwemari pamwe nekukanganiswa kwezvirongwa zvinobatsira nenyaya dzezvematongerwe enyika.
Vanobatsira kurapa vanorarama neHIV/AIDS vanoti nyaya yemari handiyo yega iri kuisa vanhu vane chirwere ichi panguva yakaoma. Vanoti hurumende inofanira kuronga zvakanaka mafambisirwo emishonga yema ARV aya kuti vanhu vabatsirike zvakanaka kana mishonga iripo, nekuti pari zvino zvinhu hazvina kunyatsomira zvakanaka.
Gurukota rezvehutano, VaHenry Madzorera, vanoti hurumende iri kuedza nepainogona napo kugadzirisa zvose zviri kudiwa, kuitira kuti vanhu vawane mishonga yema ARV.
VaMadzorera vatiwo munyika mune vanhu vanodarika mazana mashanu ezviuru vanoda mishonga yema ARV, asi pasri zvino vanhu vanosvika zana nemakumi mashanu ezviuru chete ndivo vari kuwana mishonga iyi.
Mune imwewo nyaya, bazi rinoona nezverubatsiro muUnited Nations, rinoti chirwere chekorera chingangodzoka nehukasha pachatanga mwaka wekunaya kwemvura zvezvo zvinhu zvizhinji zvakakonzera chirwere ichi, zvisati zvagadziriswa munyika.
Kusvika pari zvino vanhu vafa nechirwere ichi vasvika pa 2 631 kubva pakatanga chirwere ichi muna Nyamavhuvhu gore rapera. Mashoko aya abuda muzvinyorwa zve United Nations zvinotarisa mamiriro echirwere ichi munyika.
Executive Director vesangano re Zimbabwe Working Group on Health, VaItayi Rusike, vaudza Marvellous Mhlanga Nyahuye weStudio7 kuti chirwere chekorera chingangopararira zvakaipisisa kumaruwa sezvo zvisina kumira zvakanaka.