Zembe: VaBiti Ngavatsigirwe neHurumende Kuti Zvinhu Zvishande.

Nyanzvi munyaya dzehupfumi dzinoti hurongwa hwakaparurwa neChina negurukota rezvemari, VaTendai Biti, hunogona kubudirira kana hurumende ikatevedza chibvumirano chakanyoreranwa pasi nemapato ezvematongerwo enyika musi wa 15 Gunyana 2008.

Nyanzvi idzi dzinoti kunyange VaBiti vakagona kuita basa ravo, hapana chinobuda kana vatungamiri vemapato maviri e MDC ne Zanu PF, vakasaita muonera pamwe muzvirongwa zvehurumende yemubatanidzwa.

VaChitaura pakuparurwa kwehurongwa hwechipiri hwekushandisa mari gore rino neChina, VaBiti vakati hurumende ichatanga kutambirisa vashandi vayo mari chaidzo kutanga mwedzi uno waChikunguru. Vakatiwo hurumende yabvisa mitero inobviswa pazvimwe zvinhu zvekutangisa mabhizinesi, kuitira kuti vari kutanga mabhizinesi aya, vasaomerwe.

Vakabatawo nyaya yekuti hurumende yemubatanidzwa ishandire pamwe kuitira kuti nyika ibudire munyaya dzehupfumi.

Kusanyatsowirirana kwevatungamiri vari muhurumende kunonzi kuri kupawo kuti vekunze vatye kutanga mabhizinesi avo muZimbabwe. Va Luxon Zembe inyanzvi munyaya dzehupfumi.

Sandra Nyaira weStudio7 aita hurukuro naVaZembe kuti tinzwe maonero avo pahurongwa hwakaparurwa naVaBiti.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...